Accessibility links

Breaking News

Bishop Tutu Votsigira Kutsanyira Zimbabwe

Masangano emachechi akasiyanasiyana, vechikuru vanoremekedzwa, kana kuti “The Elders” pamwe nemasangano akazvimirira oga, vaparura chirongwa chekutsanyira Zimbabwe kusvika pawanikwa nzira dzekupedza matambudziko akatarisana nenyika.

Chirongwa ichi, icho chine dingindira rekuti “Save Zimbabwe Now”, chaparurwa muJohannesburg kuSouth Africa. Chirongwa ichi chiri kutsigirwawo naArchbishop Desmond Tutu vekuSouth Africa, avo vanonzi vachange vachitsanyawo Chitatu choga-choga kwemwedzi mitatu.

Kutsanya kwasarudzwa senzira yekuratidza hurumende yaVaMugabe maipiro aita nyaya yenzara munyika, pamwe nekushupika kuri kuitwa neruzhinji rwevana veZimbabwe mukurarama kwavo zuva roga-roga.

Vachange vachitsanya ava, vachaita izvi kwemwedzi mitatu. Vamwe vapinda mumusangano wekuparura chirongwa ichi inhengo yechikwata che “The elders” Amai Graca Machel.

Coordinator weZimbabwe Exiles Forum, VaTichafara Mupfumisi, vapindawo mumusangano uyu.

VaMupfumisi vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti pamusangano wanhasi pakurudzirwawo kuti kana SADC yakundikana, ibvume kuti yakundikana, kuitira kuti paonekwe dzimwe nzira dzekupedza gakava riri muZimbabwe.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG