SADC iri kuronga mumwe musangano wechimbichimbi wekuzeya gakava rezvematongerwo enyika muZimbabwe. Izvi zvinotevera kusabudirira kwemusangano weMuvhuro wekugadzirisa gakava riri pakati pemutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai.
Pamusangano weMuvhuro, uyo unonzi wakatora maawa gumi nemaviri, zvinonzi VaTsvangirai vakati vanoda kuti magavhuna agovanwe nenzira inoratidza zvakabuda musarudzo mudunhu rega rega. Asi VaMugabe vakatodoma magavhuna gumi, ose achibva kubato ravo reZanu PF. Izvi ndizvo zviri kurambwa naVaTsvangirai.
VaTsvangirai vanotiwo vari kuda kuti pagovanwe zvechokwadi vamiriri veZimbabwe kune dzimwe nyika, kwete kuti VaMugabe vaite izvi voga.
Asi VaMugabe vanoti izvi hazvisi muchibvumirano chavakanyorerana muna Gunyanya. MDC inotiwo ndiyo yakakunda musarudzo dzemuna Kurume, nokudaro izvi zvinofanirwa kucherechedzwa muhurumende yemubatanidzwa.
Sekutaura kuri kuita mutori wedu wenhau, Irwin Chifera, vamwe vakapinda mumusangano uyu vanosanganisira mutungamiri weSouth Africa, uye vari sachigaro we SADC, VaKgalema Motlanthe, mutungamiri weMozambique, uye vari vakafanobata chigaro cheSADC organ on politics and defence, VaArmando Guebuza, pamwe nevaimbove mutungamiri weSouth Africa, uye vari muyananisi asiri kudiwa neMDC, VaThabo Mbeki.
Kutadza kubudirira kwehurukuro idzi kwaita kuti ruzhinji rweZimbabwe rwupe tarisiro kumusangano uchaitwa neSADC neMuvhuro svondo rinouya.
Asi SADC yazivisa kuti kana musangano uyu ukatadza kuburitsa chimuko, yaizosiyana nenyaya yeZimbabwe sezvo paine dzimwe nyika dzemuSADC dzine matambudziko anoda kutariswawo.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari
mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor John Makumbe, vaudza Jonga Kandemiiri
weStudio7 kuti tarisiro iyi inogona kushaya basa sezvo vasingaoni mapato maviri aya
achiwirirana. VaMakumbe vanotiwo nyaya iyi ichatosvika ku African Union sezvo SADC yakundikana.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...