Accessibility links

Breaking News

VaObama Vogadzwa neChipiri seMutungamiri weKutanga weChitema muAmerica


Vari kugadzwa semutungamiri weAmerica neChipiri muWashington, VaBarack Obama, vatumira mashoko ekuremekedza munhu akarwira zvikuru kodzero dzevanhu muAmerica, muchakabvu Reverend Martin Luther King Jr. Muzuva rekucheredza mabasa aVaKing Jr, VaObama vapa nhoroondo yamuchakabvu vachitarisa mabasa avakaita, pamwe nekukurudzira vamwe vanhu kuti vashingirire mumabasa ose avanoita.

Zuva rekucherechedza Reverend Martin Luther King Jr rinoitwa neMuvhuro wekutanga kubva zuva rakaberekwa VaKing Jr pagore rega rega senzira yekuremekedza muchakabvu. VaObama vanoti zuva iri harisi rekungoyeuka mabasa amuchakabvu chete, asi kuti vanhu vanofanirwa kuita zvose zvavanogona, uye zvichibudirira. VaObama vatiwo vanhu vakawanda vachauya kuzovanzwa vachitaura neChipiri apo vanenge vachigadzwa semutungamiri weAmerica wechimakumi mana nemana, sezvakaitikawo muna 1963 apo zviuru nezviuru zvevanhu zvakaungana muNational Mall apo Reverend King vakataura pamusoro pezvekodzero dzemarudzi ose muWashington, zvikuru dzevanhu vatema avo vaidzvanyirirwa.

Vanhu vanosvika mamiriyoni maviri vari kutarisirwa kunge vakazara muNational Mall, vachiona kugadzwa kwaVaObama. Vanhu ava vanosanganisira zvizvarwa zvemu America, pamwe nevamwe vanhu vari kubva kumativi mana enyika.

Vamwe vanhu vanoti VaObama vanofanirwa kugadzirisa chimiro che America kunze kwayo, uye kuva mutungamiri anobatsira nyika dzinotambura. VaObama vari kutora basa ranga richiitwa naVaGeorge W. Bush, avo vakasarudzwa muna 2000, vakasarudzwazve muna 2004.

MuZimbabwe, vanhu vakawanda vari kutaevera zviri kuitika muAmerica. Nhengo yeparamende inomirira Guruve South mubato reZanu PF, VaChindori Chininga, vanoti kugadzwa kwaVaObama neChipiri semumiriri weAmerica wechitema wekutanga, kunopa chidzidzo chakanaka kunyika dzemuAfrica, zvikuru munyaya dzehutongi hwejechetere.

VaChininga, avo vakaroora chizvarwa chekuAmerica, uye vaimbove gurukota muhurumende yaVaMugabe, vanoti kugadzwa kwaVaObama kwakakosha kune vechidiki sezvo zvakaitwa naVaObama zvichiratidza kuti munhu wese anogona kuve mutungamiriri wenyika kana akazvipira kushandira veruzhinji uye kushanda zvakanaka.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro naVaChininga kuti tinzwe pfungwa dzavo pakugadzwa kwaVaObama semunhu mutema wekutanga kuva mutungamiri weAmerica.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…

XS
SM
MD
LG