Dare repamusorosoro re Supreme Court rinoti nyaya yemutungamiri we Zimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko, nevamwe vavo, inofanira kutanga yanzwikwa nedare ramejasitiriti kuitira kuti mutongi wedare iri, agokwanisa kuendesa nyaya iyi kudare repamusorosoro. Mutongi mukuru wedare iri, Va Godfrey Chidyausiku, vati izvi ndizvo zvinofanirwa kuitwa pamutemo.
Muzvare Mukoko vakapambwa vari kumba kwavo kuNorton musi wa3 Zvita nevanhu vainzi vainge vakapakatira zvombo. Mapurisa akati akange asingazive kwaiva naMuzvare Mukoko, uye akazvidza mitongo yematare edzimhosva achitadza kuuya naMuzvare Mukoko kumatare.
Nyika nepasi rose zvakazoshamiswa kuona Muzvare Mukoko vounzwa kumatare nemapurisa vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende nechisimba. Muzvare Mukoko nevamwe vavo, avo vanova nhengo dzeMDC, vari kuramba mhosva dzavari kupomerwa.
Vasungwa ava vakawanikwa vaine mhosva, vanotongerwa rufu.
Mutori wedu wenhau, Thomas Chiripasi, anotiwo magweta ari kumirira Amai Lynnette Karenyi, ari kupikisa mudare repamusoro mutongo wakapihwa naVaBillard Musakwa, wekuti Amai Karenyi vamire kuva nhengo yeparamende zvichitevera kuwanikwa kwavakaitwa vaine mhosva yekufojera mazita evanhu kuitira kuti magwaro avo atambirwe ne nomination court.
Amai Karenyi vakaramba mhosva yavaipomerwa.
Ntungamili Nkomo weStudio7 aita hurukure na Chief Whip we MDC mudare re House of Assembly, Va Innocent Gonese, kuti tinzwe zvinoreva mutongo waVaMusakwa.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...