Accessibility links

Breaking News

South Africa Yokurudzirwa Kupa Zvizvarwa zveZimbabwe Hupoteri

Sangano reHuman Rights Watch rinoti hurumende yeSouth Africa inofanirwa kumisa kudzoswa kwezvizvarwa zveZimbabwe zviri kutsvaga hupoteri munyika iyi, uye kuzvipa mvumo yekugara munyika umu kwechinguvana. Sangano iri rinotiwo vanhu ava vanofanirwa kupihwa uye mvumo yekushanda.

Human Rights Watch inotiwo South Africa inofanirwa kuona kuti chirongwa chayo chehupoteri hachisi kushanda sezvo zvizvarwa zveZimbabwe zviri kuramba zvichitizira munyika iyi. Sangano iri rinoti mumwedzi mishanu yekupera kwa2008, zvizvarwa zveZimbabwe zviri pakati peviuru makumi mashanu nezvishanu nezviuru makumi matatu zvakatsvaga hupoteri muguta reMusina.

VaGabriel Shumba ndivo mutungamiri weZimbabwe Exiles Forum. VaShumba vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti vanotarisira kuti hurumende yeSouth Africa ichatambira kurudziro iri kuitwa neHuman Rights Watch.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG