Accessibility links

Breaking News

MDC Yoramba Yakatsika Madziro paNyaya yeHurumende yeMubatanidzwa


Kunyangwe hazvo SADC iri kuita chipatapata kuyedza kugadzirisa nyaya yekuti paumbwe hurumende yemubatanidzwa muna kukadzi sezviri kudiwa nemutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, nyaya iyi inenge yokona n’anga murapwa achada.

Vakuru veMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai vari kusangana kuSouth Africa uko vari kuzeya nyaya dzenhaurirano neZanu PF, vanoti bumbiro remutemo harisi kuzovandudzwa kana VaMugabe vasina kubvuma kugovana masimba zvakafanira nebato ravo. MDC inoti iri kuda kuti pagadziriswe nyaya yemakurukota, magavhuna uye vanyori vemapazi ehurumende.

Vakuru muSouth Africa vanoti vaimbova gurukota rezvematunhu, VaSydney Mufamadi, vari kuedza kuronga musangano wechimbichimbi pakati pevamiriri vemapato ose kuti vagadzirise nyaya yemagavhuna, vamiriri vedzimwe nyika nevanyori vemapazi ehurumende.

Nyaya yemakurukota ehurumende inonzi yasiirwa kuna VaTsvangirai naVaMugabe mbune.

VaPedzisayi Ruhanya vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaRuhanya vaudza Blessing Zulu weStudio 7 kuti zviri kutaurwa naVaTsvangirai ndizvo chaizvo zvinofanira kutevedzerwa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG