Accessibility links

Breaking News

Dare reDzimhosva Rinoti Muzvare Mukoko Ngavarambe Vari Mutirongo


Dare redzimhosva repamusoro, kana kuti High Court, raramba chikumbiro chakaitwa nemagweta ari kumirira mutungamiri weZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko, nevamwe vavo vanodarika makumi matatu, chekuti vabviswe muhusungwa, sezvo mapurisa akazvidza mumwe mutongo wedare.

Mutongi wedare iri, Justice Alphios Chitakunye, varambawo kuburitsa pachena mazita evanhu vakapamba vasungwa ava, zvichitevera danho ratorwa nehurumende rekuti dare risaburitse mazita aya.

Sekutaura kuri kuita Thomas Chiripasi, rimwe remagweta ari kumirira vanhu ava, Amai Beatrice Mtetwa, vati mutongo wedare unoratidza kuti munyika hamuchina zvekutevedzwa kwemitemo.

Muzvare Mukoko vakapambwa mangwanani emusi wa 3 Zvita kumba kwavo kuNorton nevanhu vanonzi vainge vakapakatira pfuti. Mushure mekupambwa kwavo, mapurisa akaramba mudare kuti aive neruzivo rwekwaive naMuzvare Mukoko.

Hurumende yakapambawo nhengo dzeMDC idzo dzinosanganisira mudzimai ane mwana ane makore maviri. Zvinonzi mwana uyu akatochwa nemapurisa aine chinangwa chekuti amai vake vabvume mhosva yavari kupomerwa. Izvi zvayiitwa amai vacho vakatarisa.

Muzvare Mukoko nevamwe vavo vakazouyiswa kumatare nemapurisa, izvo zvakapa kuti magweta avo akwidze kumatare nyaya yekuti mapurisa ataure vanhu vakanga vapamba Muzvare Mukoko nevamwe vavo.

Vasungwa ava vari kuramba mhosva dzavari kupomerwa. Vakawanikwa nedare vaine mhosva yekuda kubvisa hurumende zvisiri pamutemo, vanotongerwa rufu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG