Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakasangana nemutungamiri wechimwe chikwata cheMDC, VaArthur Mutambara, neChitatu kwasara maawa mashoma kuti zuva rainge rapihwa nemutungamiri wechimwe chikwata cheMDC, VaMorgan Tsvangirai, rekuti vanogona kubuda muhurukuro mugoredzva, risvike.
VaTsvangirai vakati kana nhengo dzebato ravo dzakapambwa nevamwe vanorwira kodzero dzevanhu vakasaburitswa muhunhapwa, kana kusaunzwa pamberi pematare, vaizokurudzira dare guru rebato ravo, kana kuti national council, kuti ibude nechisungo chekuti MDC ibude munhaurirano.
Vakuru muMDC vaudza Studio 7 kuti VaTsvangirai vachataura pamire bato ravo neMuvhuro. Munyori mukuru muMDC inotungamirwa naVaMutambara, VaWelshman Ncube, vanoti VaMutambara naVaMugabe vakabatabata nyaya yekuti poitwa sei kugadzirisa zviri kunetsa zvakafanana nedare remakurukota, magavhuna, uye vamiriri vekune dzimwe nyika.
VaNcube vanoti vaviri ava vakatenderana kuti zvakakosha kuti VaTsvangirai, avo vari kuBotswana, vadzoke kumusha kuti paonekwe kuti zvinhu zvofambiswa seyi.
VaJoram Gumbo ndivo chief whip weZanu-PF mudare reparamende.
VaGumbo vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti musangano waVaMugabe naVaMutambara wakakosha sezvo paine zvinhu zvakawanda zvinoda kugadziriswa nehurumende yemubatanidzwa.
Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti chinhu chakanaka kuti vanhu vataurirane, asi bato ravo richapinda chete muhurumende yemubatanidzwa kana zvavari kuda zvagadziriswa.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...