Accessibility links

Breaking News

Muzvare Mukoko neVamwe Vavo Vanomiswa Pamberi peDare reDzimhosva


Mutungamiri weZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko, pamwe nevamwe vanhu vanodarika makumi matatu, avo vanosanganisirawo nhengo dzeMDC nemwana ane makore maviri, vamiswa pamberi pedare muHarare vachipikisa kuramba kwavo vari muhusungwa.

Vasungwa ava vanonzi vasvika kumatare vakapfeka nguwo dzekujeri uye vakaiswa simbi dzekumakumbo nekumaoko. Magweta ari kumirira vasungwa ava ati hurumende iri kuzvidza mutongo wakapiwa nedare repamusoro svondo rapera, wekuti vasungwa ava vaendeswe kuchipatara uye kuti vakwanise kuonekwa nemagweta avo pamwe nehama dzavo.

Vanhu ava vari kupomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende yaVaMugabe nechisimba. Muzvare Mukoko vakatorwa kubva pamba pavo kuNorton musi wa3 Zvita, uye hapana aiziva kwavanga vakachengeterwa.

Panguva yataenda pamhepo, mutongi wedare, VaMishrod Guvamombe, vachuchisi vehurumende, pamwe nemagweta ari kumirira vasungwa ava, vanga vari mushishi yekukurukura nyaya iyi vari muhofisi yemutongi wedare iri.

Doctor Lovemore Madhuku inyanzvi munyaya dzemitemo pamwe nezvematongerwo enyika, vari zvakare sachigaro weNCA.

VaMadhuku, avo vanga vari mudare, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti semaonero avo, hurumende haina humbowo hwekuramba yakachengetedza vasungwa ava.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG