Accessibility links

Breaking News

Chirwere cheCholera Chodzikira muDzimwe Nzvimbo


Sangano reWorld Health Organisation rinoti vanhu vafa nechirwere che cholera kubva pachakatanga muna Nyamavhuvhu, vasvika pa 1, 518, uye vanhu vakabatwa nechirwere ichi kusvika neChina, vasvika pavanhu 26,497.

Nepamusana pedambudziko iri, masangano akawanda ari kutumira rubatsiro kuZimbabwe. Mamwe emasangano aya, anosanganisira Red Cross yeku Finland, iyo yavhura nzvimbo yekurapira vanhu kwaMutare. Nzvimbo iyi ine vanhu gumi nevashanu vari kushanda varipo vachibatsira vanhu vanenge vabatwa nechirwere che cholera.

Damdudziko re cholera riri kuenderera mberi muHarare, kunyange hazvo huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi huri kudzikira.

VaEmmanuel Chiroto ndivo mutevedzeri wameya weHarare.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaChiroto kuti tinzwe zviri kuitika muguta ravo, zvikuru kuBudiriro, uko kwanetsa nechirwere ichi.

Ukuwo nyanzvi munyaya dzematongerwe enyika dzinoti dambudziko rechirwere ichi rinopera chete kana pakava nehurumende isingatungamirirwe naVaMugabe.

Muzvare Gladys Hlatshwayo vanoongorora nyaya dzezve matongerwo enyika, uye vari uye advocacy officer weCrisis In Zimbabwe Coalition. Muzvare Hlatshwayo vaudzawo Studio7 kuti dambudziko recholera richapedzwa nehurumende ine hany’a nevanhu, kwete yeZANU-PF.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG