Accessibility links

Breaking News

Muzvare Mukoko neVamwe Vanomiswa Pamberi peDare reDzimhosva


Mutungamiri weZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko, pamwe neimwe nhengo yesangano iri, VaBrodrick Takawira, kusanganisirawo nhengo dzeMDC, vamiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende nechisimba.

Vanhu ava vaendeswa kudare redzimhosva nemapurisa, ayo akamboti akange asingazivi kuna Muzvare Mukoko, avo vakapambwa musi wa 3 Zvita.

Bepanhau reHerald rinoti vasungwa ava vari kupomerwa mhosva dzekudzidzisa, pamwe nekuda kudzidzisa vanhu zvechiuto, paine chinangwa chekubvisa hurumende yaVaMugabe pachigaro. Mhosva dziri kupomerwa vanhu ava dzine mutongo werufu.

Kupambwa kwaMuzvare Mukoko kwaiteverawo kupambwa kwenhengo dzeMDC kuMashonaland West mukupera kwaGumiguru. MDC inoti nhengo dzayo dzinosvika makumi maviri nenhatu dzakapambwa nevanhu vasingazivikanwi.

Studio7 yakundikana kubata magweta ari kumirira vanhu ava, asi vamwe vane ruzivo nezviri kuitika vanoti Muzvare Mukoko havana kubatwa zvakanaka munguva yavanga vari muhusungwa.

VaFarai Maguwu ndivo mutungamiri weCentre for Research and Development. VaMaguwu vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti hurumende yaVaMugabe iri kushandisa vanhu ava senzira yekumanikidza VaTsvangirai kuti vapinde muhurumende yemubatanidzwa.

Tichiri panyaya iyi, Brenda Moyo weStudio 7, abatawo gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaHarrison Nkomo, avo vane mukoma wavo VaZachariah Nkomo vakapambwawo, kuti tinzwe maonero avo pane zviri kuitika izvi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG