Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti VaTsvangirai Havasati Vapiwa Gwaro Ravo Rekufambisa


Bato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai raramba mashoko aburitswa mune rimwe bepanhau repainternet ekuti hurumende yakazopa mutungamiri waro, VaMorgan Tsvangirai, gwaro ravo rekufambisa.

Bepanhau repainternet reNewzimbabwe.com raburitsa mashoko ekuti hurumende yakazopa VaTsvangirai gwaro ravo rekufambisa zvichitevera kupindira kwemutungamiri weSouth Africa, VaKgalema Motlanthe.

Izvi zvaizoita kuti VaTsvangirai vakwanise kudzokera kuZimbabwe, sezvo vari kuramba kudzokera kumusha vachiti havakwanisi vasina gwaro rekufambisa. VaTsvangirai vari kuBotswana mushure mekunge gwaro ravakanga vapiwa nehurumende refambisa reEmergency Travel Document rakaguma kushanda vari kunze kwenyika.

Jonga Kandemiiri weStudio 7 abata mutauriri weMDC vanelson chamisa avo vati kana gwaro iri rakatumirwa kuna VaTsvangirai, zvimwe richiri munzira.

XS
SM
MD
LG