Accessibility links

Breaking News

MDC Yoramba Mashoko eBepanhau eHerald Ekuti Cholera Yaderera

nhengo

Nhengo ye Dare reHouse of Assembly inomirira Kwekwe, uye vari nyanazvi munyaya dzehutano, vaBlessing Chebundo, vanoti hachisi chokwadi kuti huwandi hwevanhu vari kubatwa nechirwere che cholera huri kudzikira.

Bepanhau reHerald rinoti, World Health Organisation inoti kunyange hazvo chirwere che Cholera chabatawo nzvimbo dzakaita seChegutu ne Chirundu, vanhu vari kubatwa nechirewere vava kudzikira kubvira mwedzi wapera.

Studio 7 ahiana kukwanisa kubata w-h-o kuti tinzwe kuti ichokwadi here, pane zviri kutaurwa ne Herald.

Sangano re WHO rinoti vanhu vafa nechirwere ichi vasvika muchiuru chimwe chete, kubva pachakatanga muna nyamavhuvhu, uye vanhu vanodarika zviuru gumi nezvisere, vakabatwa nechirwere ichi munguva imweyo.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro navachebundo kuti tinzwewo pfungwa dzavo.

Dzimwe Nhau Kubva KuStudio 7...

XS
SM
MD
LG