Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anorova neKusunga Nhengo dzeNCA muHarare

Nhengo dzesangano rinorwira kuti munyika muve nebumbiro idzva remitemo yenyika, reNCA, dzinodarika makumi mashanu, dzasungwa muHarare neChipiri apo dzange dzichiratidzira muguta iri, pamwe nemamwe maguta akasiyanasiyana munyika.

Dzimwe nhengo dzesangano iri dzakawanda dzakuvara mumhirizhonga yanga yoitika apo dzange dzichirohwa nemapurisa. Zvinonzi mapurisa ashandisa zvombo zvehutsi hunokachidza pamwe neimbwa mukuparadza kuratidzira uku.

Kuratidzira uku kwaitikawo murunyararo mumaguta anoti Bulawayo, Mutare, Gweru uye Masvingo, uko kunonzi hakuna vanhu vasungwa.

NCA inoti iri kuratidzira kuitira kuti munyika muve nehutongi hwejechetere, uye kuti nyika ibude kubva mumatope mayanyura.

VaMadock Chivasa ndivo mutauriri weNCA.

Jonga Kandemiiri weStudio7 aita hurukuro naVaChivasa kuti tinzwe zvizhinji.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG