Accessibility links

Breaking News

Cholera Yopinda Munyika Dzakakomberedza Zimbabwe

Chirwere che cholera chinonzi chapindawo muButswana, umo munonzi mune vanhu vana vakabatwa nechirwere ichi.

Izvi zvinonzi zvapa kuti guta reFrancistown kuBotswana rikurudzira kuti vanhu vangwarire kubatwa nechirwere ichi, sezvo pava nekutyirwa kuti vanhu vari kupinda munyika iyi vachibva kuZimbabwe, vanogona kuva vari ivo vari kutapurira vamwe chirwere ichi.

Chirwere ichi chinonzi chapindawo mu South Africa, Democratic Republic of Congo, Zambia neMozambique. Sangano re World Heath Organization, kana kuti WHO, rinoti vanhu vafa nechirwere ichi vasvika pamazana mapfumbamwe nemakumi manomwe nevasere, kubva pakatanga chirwere ichi muna Nyamavhuvhu. WHO inotiwo vanhu vakabatwa nechirwere ichi munguva imwe cheteyo, vanodarika zviuru gumi nezvisere.

Gurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, vanoti hurumende iri kuedza napainogona napo kuedza kupedza dambudzi iri. Nyika dzakawanda dziri kuedzawo kubatsira Zimbabwe nemari yekutenga mishonga, uye kuwanira vanhu mvura yakachena.

Dr Douglas Gwatidzo ndivo sachigaro veZimbabwe Association of Doctors for Human Rights.

Patience Rusere weStudio7 aiata hurukuro naDr Gwatidzo kuti tinzwe maonero avo pakupararira kuri kuita chirwere ichi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG