Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inokumbira Nzvimbo Yekuviga Vakapondwa kwaChiadzwa


Hurumende inonzi iri kukumbira kanzuru yeMutare nzvimbo yekuviga vanhu vanosvika makumi masere nevatatu muguva rimwe chete. Pavanhu ava, makumi manomwe nevasere, vanonzi vakauraiwa kwaChiadzwa, uko kuri kucherwa mangoda, kwotiwo vashanu vanonzi vakafa nechirwere checholera.

Chiitiko ichi chinoratidza kuti hurumende iri kubuda pachena kekutanga kuti vanhu ava vakapondwa nemasoja ari kuchengetedza kwaChiadzwa.

Studio7 yatadza kubata district administrator weMutare, VaMashava, kuti tinzwe divi rake.

Mutevedzeri wameya weguta reMutare, VaAdmire Mukorera, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti vakaudza hurumende kuti itange yazivisa nezvevanhu vakafa ava isati yafunga zvekuvaviga vose muguva rimwe chete.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG