Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inomanikidza veMabhizimusi Kuderedza Mitengo yeZvinhu


Hurumende kuburikidza nesangano reIncomes and Pricing Commission, yakaudza vemabhizimusi nevanogadzira zvinhu kuti vaderedze mitengo yezvinhu kudzokera pamitengo yemusi wa3 Zvita. Mashoko aya akaburitswa nasachigaro wekomisheni iyi, VaGodwills Masimirembwa.

Mitengo yezvinhu zvizhinji inonzi iri kukwira zuva nezuva zvichitevera kukwidzwa kwemari dzinokwanisa kutorwa nemunhu kubva kubhanga pasvondo. Vanhu vava kubvumidzwa kutora mari inoita mamiriyoni zana emadhora pasvondo, kubva pamazana mashanu ezviuru zvemadhora pazuva.

Mari iyi inonzi haina chaichatenga sezvo vemichovha vanga vachibhadharisa vanhu $10 million munguva dzemangwanani kubva kuSoutherton kuenda muguta, asi munguva dzemanheru vanga vobvisisa vanhu $20 million dollars. Chingwa chinonzi changa chichitengeswa ne$60 million, 1 kg yenyama ichiita $180 million, kwotiwo 1 kg yeshuga ichiita $80 million.

Doctor Godfrey Kanyenze inyanzvi munyaya dzezveupfumi uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe.

Dr Kanyenze vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti hurumende haina zvayakadzidza payakambomanikidza vezvitoro kudzikisa mitengo, izvo zvakazoita kuti vavhare zvitoro zvavo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG