Vaimbova mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, pamwe neSADC, vanonzi vaoreswa moyo nezviri kuitwa naVaMugabe panyaya yenhaurirano.
VaMbeki, avo vanova mutongi gava panyaya yeZimbabwe vanonzi havasi kufara nenyaya yekuti VaMugabe vari kuda kuita humbimbindoga, vachiwedzera zvinhu zvisina kubvumiranwa nevamwe mugwaro rekuvandudza bumbiro remitemo yenyika, kuitira kuti paumbwe hurumende yemubatanidzwa.
Zvinonzi VaMugabe vakazviwedzera maseneta, vakabvisa nyaya yekuti vagovane vamiriri vedzimwe nyika nemagavhuna zvainge zviri muchibvumirano chavakanyorerana pasi.
Gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, avo vainge vati vachataura naVaMugabe nezvenyaya iyi, vanonzi vakaudza VaMbeki kuti vari kutadza kuona VaMugabe kuti vavasume nezvenyaya iyi.
Nyaya iyi ndiyo inonzi yatadzisa kuti Constitutional Ammendment Bill Number 19
inyorwe zviri pamutemo kana kuiswa muGovernment Gazette.
VaMbeki nevamwe vavo vange vachitarisirwa kuenda kuZimbabwe kuti vazotaure naVaMugabe mbune nezvenyaya iyi.
Bepanhau reHerald rinotiwo VaMbeki nechikwata chavo vainge vachitarisirwa kupinda munyika neChipiri kuzotaura naVaMugabe.
Asi mutauriri waVaMbeki, VaMukone Ratshitanga, vati havana ruzivo nezverwendo urwu.
VaSydney Masamvu vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika musangano reInternational Crisis Group kuchamhembe kweArica.
VaMasamvu vaudza Blessing Zulu weStudio 7 kuti mabasa aVaMugabe ndiwo aita kuti nhaurirano dzinoneke kupera.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...