Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yonetseka neChirwere cheCholera

Sangano reWorld Health Organization rinoti kusvika musi wa 5 Zvita, vanhu vanosvika mazana mashanu nemakumi masere nevapfumbamwe, vafa nechirwere che cholera kubva pachakatanga muna Nyamavhuvhu.

Sangano iri rinotiwo vanhu vanodarika zviuru gumi nezvitatu, vakabatwa nechirwere ichi munguva imwe cheteyo.

Bepanhau re Herald rinoti Namibia iri kubatsira Zimbabwe nemishonga inokosha mamimiriyoni mazana maviri ezviuru zvemadhora eku America.

Ukuwo sangano re USAID, rakapawo Zimbabwe mari inoita zviuru mazana matanhatu emadhora eku America. Mari iyi iri pamusoro pemari inoita mamiriyoni mana emadhora eku America, iyo yakapihwa Zimbabwe kuti ishandise mukuwanira nyika mvura yakachena gore rino.

VaBlessing Chebundo inyanzvi munyaya dzezve huttano, uye vaimbove munyori anoona nezvehutano muMDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangiria.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaChebundo kuti tinzwe maonero avo pane zviri kuitika munyaya dzehutano.

Ukuwo mashoko atiri kutambira anoti South Africa yatuma nhumwa dzekuti dzinoongorora zviri kuitika muZimbabwe, zvikuru munyaya dze cholera. Izvi zvinotevera kutumirwa kuZimbabwe kwemotokari dzine matangi mapfumbamwe emvura yakachena.

Chikwata ichi chinonzi chiri kutungamirirwa nemumwe mukuru mukuru muhurumende yeSouth Africa, Va Frank Chikane.

VaGabriel Shumba ndivo Executive Director veZimbabwe Exiles Forum, iyo iri muSouth Africa. Sangano iri rinoongororawo zviri kuitwa neSouth Africa zvine chekuita neZimbambwe.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaGabriel Shumba, kuti tinzwe pfungwa dzavo nezve hurongwa hwenhumwa idzi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7..

XS
SM
MD
LG