Accessibility links

Breaking News

Archbishop Tutu Vanoti VaMugabe Ngavaendeswe kuHague

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti kana zvehurumende yemubatanidzwa zvaramba, vatsigiri vavo vanofanira kugadzirira sarudzo mukati memakore maviri nechidimbu.

VaMugabe vakataura mashoko aya kuvatori venhau neChina mushure mekuita musangano pamuzinda webato ravo muHarare.

Asi gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica, Muzvare Condoleezza Rice, vanoti VaMugabe vanofanira kusiya basa, uye nyika dzakapoteredza Zimbabwe, dzinofanirwa kuona kuti VaMugabe vasiya basa.

Ukuwo Archbishop Desmond Tutu vatiwo VaMugabe vanofanirwa kubviswa nechisimba, sezvo vari kurambira pachigaro, ivo vakarambwa nevanhu. Vatiwo VaMugabe vanofanirwa kusungwa voendeswa kunotongwa nedare reInternational Criminal Court ku Hague, sezvo vari kutyora kodzero dzevanhu.

Hurumende yeBritain yashorawo zvikuru VaMugabe ichiti ndivo honzeri yematambudziko ari munyika.

Mutungamiri weSenegal, VaAbdoulaye Wade, vatiwo vachaedza kupindira mukugadzirisa dambudziko remuZimbabwe.


Chief whip veZanu-PF muparamende, VaJoram Gumbo, vaudza Blessing Zulu weStudio 7 kuti zviri kutaurwa naVaMugabe ndizvo zvakatenderanwa nemapato ose muchibvumirano chavakanyorerana kare.

Asi mutauriri weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaNelson Chamisa, vanoti bato ravo rakagadzirira sarudzo, asi VaMugabe vanofanira kuvanduza mitemo yesarudzo, uye kuona kuti munyika hamuna mhirizhonga.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG