Accessibility links

Breaking News

Muzvare Mukoko Havasati Vawanikwa Kwavari

Masangano akazvimirira anorwira kodzero dzevanhu munyika, ashora zvikuru kupambwa kwemutungamiri weZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko, neChipiri mangwanani.

Muzvare Mukoko vakapambwa vari pamba pavo kuNorton vakaendwa navo vakapfeka mbatya dzekurarisa nevanhu vanofungidzirwa kuti vasori. Magweta ari kumirira Muzvare Mukoko anoti hapana chaati awana chingaratidza kwavakachengeterwa. Magweta aya anoti hapanawo chati chazivikanwa kuti ndicho chakakonzera kupambwa kwavo, kunyange hazvo paine fungidziro yekuti zvine chekuita nemabasa esangano ravo rekuunganidza humbowo hwekutyorwa kwekodzero dzevanhu.

VaOtto Saki rimwe remagweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights, ayo ari kumirira Muzvare Mukoko. VaSaki vanoti vava kukwidza nyaya iyi kumatare edzimhosva, kuitira kuti matare akomekedze mapurisa kutsvaga kuna Muzvare Mukoko.

Ukuwo vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vachishanda neCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPhillip Pasirayi, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti zvaitwa nehurumende zvinoratidza kuti haisi kuremekedza kodzero dzevanhu, uye haina hany'a nenhaurirano dzekuumba hurumende yemubatanidzwa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG