Bazi rezvehutano kuSouth Africa rinoti rwizi rweLimpopo rune mvura ine tsvina, uye mvura iyi inogona kukonzera cherwere che cholera.
Mutauriri webazi rezvehutano mudunhu re Limpopo kuSouth Africa, VaPhuti Seloba, vanoti ongororo yakaitwa nebazi ravo inoratidza kuti mvura yemurwizi urwu, ine hutachiwana hunokonzera chirwere che cholera.
Bazi iri riri kuyambira vanhu kusanganisira zvizvarwa zveZimbabwe,
kuti zvisapinde nemumvura yemuna Limpopo, sezvo isina kunaka. Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvinopinda muSouth Africa zvisiri pamutemo, uye zvinoshandisa Limpopo kuti zvibire kuenda munyika iyi zvichinotsvaga mafuro manyoro.
Sangano reWorld Health Organization rinotiwo vanhu vanodarika mazana mashanu nemakumi matatu vafa nechirwere che cholera muZimbabwe kubva pachakatanga muna Nyamavhuvhu.
Sangano iri rinoti chirwere ichi chikasarapwa, chinogona kuuraya vanhu vanosvika zviuru gumi panosvika mwedzi waKurume gore rinouya.
Nyanzvi munyaya dzezve hutano dzinoti chirwere ichi chiri kukonzerwa nekushaikwa kwemvura yakachena. Guta reHarare rakaita mazuva akawanda pombi dzemuguta iri dzisina mvura. Mvura iyi inonzi yakazodzoka neMuvhuro manheru, asi yainge isina kuchena.
VaEmmanuel Chiroto ndivo mutedzeri wameya weguta reHarare.
Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaChiroto kuti tinzwe kuti chirwere che cholera nenyaya yemvura zvava papi.
Ukuwo mutevedzeri wegurukota rinoona nezvemvura pamwe nekuwanikwa kwayo, Va Walter Mzembi, vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti hurumende iri kuedza napose painogona napo kugadzirisa zviri kunetsa munyaya dzemvura. Vatiwo bazi ravo rakatarisana nematambidziko ekushaya mari yekunze, iyo inodiwa mukutenga mishonga inochenesa mvura.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...