Accessibility links

Breaking News

WHO: Vanhu Vafa neCholera Vodarika Mazana Mashanu


Sangano re World Health Organization, kana kuti WHO, rinoti vanhu vanodarika mazana mashanu nemakumi matanhatu, vafa nechirwere che cholera kubva pakatanga chirwere ichi muna Nyamavhuvhu. Sangan iri rinoti kana vanhu vakaramba vachishairwa mushonga unodiwa muZimbabwe, chirwere che cholera chinogona kuuraya vanhu vanosvika zviuru gumi panosvika mwedzi waKurume gore rinouya.

Ukuwo dzimwe nyanzi munyaya dzehutano dziri mubazi rezve hutano dzinoti huwandu hwevanhu vafa ne cholera, hunogona kuva hwasvika pazviuru zvitatu, sezvo vanhu vazhinji vari kufira mudzimba. Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende pahuwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi.

Dr Douglas Gwatidzo ndivo mutungamiri we Zimbabwe Association of Doctors for Human Rights.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro na Dr Gwatidzo kuti tinzwe mamiriro akaita zvinhu munyaya dzechirwere che cholera.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG