Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti African Union Ngaipindire Sezvo SADC Yakundikana


Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti SADC yakundikana zvachose kugadzirisa dambudziko reZimbabwe, nekudaro nyaya iyi inofanira kukwidzwa kuAfrican Union.

VaTsvangirai vakataura mashoko aya kuSenegal neChipiri pamusangano wavakaita nemutungamiri wenyika iyi, VaAbdoulaye Wade.

Mashoko aVaTsvangirai anouya apo vanhu vange vofunga kuti nhaurirano dzave kufamba zvakanaka mushure mekunge vari kutungamira nhaurirano pakati peMDC neZanu-PF, vawirirana kuti vavandudze bumbiro remitemo yenyika, kubudikidza neConstitutional Amendment Bill Number 19.

Vane ruzivo nezviri kuitika muMDC vanoti VaTsvangirai havasi kufara nemutongi gava pakava riripo pakati pavo naVaMugabe, VaThabo Mbeki, uye kupambwa kuri kuitwa nhengo dzebato ravo.

Bato iri rinotiwo nyaya yekugovanwa kwemapazi ehurumende, magavhuna uye vamiriri vekune dzimwe nyika, inofanira kugadziriswa bumbiro remitemo yenyika risati ravandudzwa.

Asi Zanu-PF iri kuti chinofanirwa kuitwa kuvandudzwa kwebumbiro remitemo, dzimwe nyaya dzozogadziriswa.

VaJoy Mabhenge vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaMabhenge vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio7 kuti chikumbiro chaVaTsvangirai hachna kuipa sezvo SADC iri kutya kuudza VaMugabe chokwadi.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG