Accessibility links

Breaking News

ZINWA Inovhara Mvura muGuta reHarare

Bazi rezvemvura reZINWA rinonzi rakavhara pombi dzaro dzinotora mvura kubva kudhamu reLake Chivero nezvikonzero zvekushayikwa kwemishonga inochenesa mvura.

Bepanhau reHerald rinoti ZINWA yakavhara pombi dzayo dziri paMorton Jaffray, izvo zvanzi zvasiya vagari vemuHarare vatarisana nedambudziko hombe, sezvo vari munguva yekurwisana nechirwere che cholera.

Tatadza kubata vebazi reZINWA kuti tinzwewo divi ravo. Asi vamwe vane ruzivo nezviri kuitika muZINWA vabvuma kuti bazi iri rakavhara mvura nezvikonzero zvekushaya mushonga unonzi Alminium Sulphate.

Vakafanobata chigaro chemutauriri weCHRA, VaMmeli Dube, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti izvi zvichavhurira vagari veguta iri zvirwere zvakawanda sezvo pasina imwe nzira yekuwana nayo mvura yakachena.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG