Accessibility links

Breaking News

MDC neZanu-PF Dzoteyana Pamaumbirwo eHurumende yeMubatanidzwa


Bato reMDC rinoti ranyorera SADC kuti mutongi gava panyaya yavo neZanu-PF, VaThabo Mbeki, vanofanira kusiya basa kana kutsvaga vanovabatsira kupedzisa chikamu chasara chekuumba hurumende yemubatanidzwa.

Kunyange hazvo MDC neZanu-PF dzakanyorerana pasi chibvumirano neChina chekufambisa nyaya yekuvandudzwa kwebumbiro remitemo yenyika, kuburikidza neConstitutional Amendement Bill Number 19, MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti bhiri iri hakuna kwarinoenda kana Zanu-PF ikaramba kugadzirisa nyaya yedare remakurukota, magavhuna uye vamiriri vedzimwe nyika.

Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaTsvangirai, VaNelson Chamisa, vanoti bato ravo harisi kuzopinda muhurumende yemubatanidzwa kana zvido zvavo zvisina kuzadzikiswa.

Chief whip veZanu-PF mudare reparamende, VaJoram Gumbo, vanoti vari kuda kuti hurumende yemubatanidzwa iumbwe nechimbi chimbi zvimwe zviri kudiwa neMDC zvozogadziriswa nekupindana kwemazuva

VaEdwin Mushoriwa ndivo mutauriri weMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara. VaMushoriwa vaudzawo Blessing Zulu weStudio7 kuti zvekunyorerana chibvumirano panyaya yebhiri zvakakosha uye zvinoratidza kuti nhaurirano dzichiri mugwara kwaro.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG