Accessibility links

Breaking News

Sangano reWHO Rotsvagira Nyika Mari Yekurapa Chirwere cheCholera

Sangano reWorld Health Orgnisation, kana kuti WHO, rinoti richatsvaga rubatsiro rwemari inoita US$117,000.00 iyo ichashandiswa mukurwisa chirwere che cholera.

Mashoko aya ataurwa pamusangano waitwa neWHO muSouth Africa neChitatu.

Hurumende yeSouth Africa inoti haisi kuzodzinga zvizvarwa zvemuZimbabwe zvinenge zvichida kurapwa munyika iyi.

WHO inoti pari zvino vanhu vafa nechirwere ichi vanosvika mazana matatu nemakumi matanhatu ane vatanhatu. Asi mamwe mapepanhau akaita se The Independent anoti vanhu vafa nechirwere ichi vanodarika zviuru zvitatu kubva pakatanga chirwere ichi muna Nyamavhuvhu.

Ukuwo hurumende inoti vanhu vafa nechirwere ichi vari pasi pemazana matatu.

VaBlessing Chebundo inhengo yekomiti inoona nezvehutano muMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaChebundo kuti tinzwe maonero avo pane zviri kuitika pachirwere che cholera.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG