Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanogadza Zvakare VaGono saGavhuna weRBZ

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vagadza zvakare gavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, kuti varambe vari mukuru webhanga iri kwemakore mashanu anotevera. Izvi zvinoreva kuti VaGono vachange vari gavhuna webhanga iri kusvika mugore ra2013.

Nguva yaVaGono yekutungamira RBZ yanga ichipera kupera kwaMbudzi. VaGono vakagadzwa sagavhuna we RBZ mugore ra2003, pasi pemutemo weReserve Bank Act. VaMugabe vakagadza VaGono vachitarisira kuti vanga gadzirise nyaya dzeupfumi munyika, asi izvi hazvina kubudirira, sezvo hupfumi hwatonyaya kuparara.

VaGono, avo vaiona nezve kuchengetwa kwemari dzaVaMugabe nemudzimai wavo Grace pavaive mukuru webhanga reCBZ, vari kushorwa nenyanzvi munyaya dzehupfumi vachinzi vari kutadza kugadzirisa nyaya dzemari munyika.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vane matanho ava chatorawo sebato kuratidza kusatambira kwavo zvaitwa naVaMugabe izvi.

Zvichakadaro, dzimwe nyanzvi munyaya dzezveupfumi dzinoti VaGono ndivo mumwe wevanhu vakaita kuti upfumi hwenyika huparare kusvika pahwave nekuramba vachidhinda mari, pamwe nejutyora mitemo ine chekuita nekufambiswa kwemari munyika.

VaProsper Chitambara inyanzvi munyaya dzezveupfumi uye vari kuita zvidzidzo zvepamusoro munyaya dzemari paBirmingham University kuBritain.

VaChitambara vanotiwo danho ratorwa naVaMugabe rinobatsira Zanu PF kwenguva pfupi, asi richikanganisa upfumi hwenyika mumakore anotevera.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG