Accessibility links

Breaking News

Masangano Akazvimirira Oga Obvumirana Kuita Mushandira Pamwe

Masangano akazvimirira oga anodarika makumi matatu asangana muHarare neChipiri akabuda nechisungo chekuti anofanirwa kuita chirwira ingwe pane zviri kuitwa nehurumende. Masangano aya asangana aine nechinangwa chekutsvaga nzira dzekutsigirana muzvirongwa zvaanoita, izvo zvinosanganisira kuratidzira kusafarira zvinenge zvichiitwa nehurumende, pamwe nemapato ezve matongerwo enyika.

Masangano asangana anosanganisira Crisis In Zimbabwe Coalition, Bulawayo Agenda, NANGO, ZimRights nemamwe.

VaPeter Muchengeti ndivo sachigaro veNANGO kuMidlands.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaMuchengeti kuti tinzwe mafambiro aiita musangano wavo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG