Sangano reUnited Nations rinoti vanhu vafa nechirwere che cholera kubva muna Nyamavhuvhu, vasvika pamazana matatu nemakumi matanhatu nevatanhatu, 366, ukuwo hurumende ichi vanhu ava vasvika pavanhu mazana maviri nemakumi masere nemumwe. Hurumende inoti iri kuedza napose painogona napo kurwisa chirwere ichi.
Vanoongorora nezvehutano vanoti panodiwa kuitwa zvakawanda pakurwisana nehutachichiwana hwe cholera.
Ukuwo
sangano reWorld Health Organisation rinotiwo riri kutyira kuti vanhu vakawanda vachabatwa
nechirwere ichi, kunyange hazvo yakatoendesa mishonga inodiwa pakuwedzera mvura mumuviri
yevange vabatwa nechirwere.
Ukuwo
MDC inotungamirwa naVa Authur Mutambara yanyorawo gwaro rekuti vari
kushushikanawo nekupararira kwecholera. Munyori munyaya dzehutano muchikwata ichi, Muzcare Stella
Allbery, vaudza Studio7 kuti hurumende iri kukundikana kurwisana nechirwere
ichi, asi chirwere ichi hachinyanyonetsa kurapa kana matanho anofanirwa
kutorwa akatevedzerwa.
Dr Henry Madzorere ndivo munyori anoona nezvehutano mu MDC inotungamirwa naVaTsvangirai.
Carole Gombakomba weStudio7 aita hurukuro naVaMadzorere nezvematanho anofanirwa kutorwa pakudzivirira chirerwe ichi.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...