Accessibility links

Breaking News

Vanhu Voziya neNzara, Vamwe Vachifa muMidlands

Sangano reNANGO rinoti vanhu vari kuziya nenzara zvakaipisiaa mudhunu reMidlands, zvekuti vava kurwisana nemhuka dzemusango kuti vadye michero yesangano.

Sachigaro veNANGO muMidlands, uye vari nhengo yeBoard yeNANGO, VaPeter Muchengeti, vanoti kunze kwekuziya nenzara mudunhu ravo, vamwe vanhu vari kufa nenzara mudunhu reMidlands.

Zviri kuitika muMidlands zviri kuitikawo mumamwe matunhu ar munyika. Sangano re World Food Program rinoti vanhu vanosvika mamiriyoni mashanu, vachange vachida rubatsiro rwechikafu munyika usvika panokohwewa zvirimwa gore rinouya.

Zimbabwe yakatarisana nenzara zvichitevera kubvutwa kwakaitwa minda yevarimi vechichena nehurumende, ichiti yava kugarisa vanhu vatema patsva. Kubva pakabvutwa minda iyi, Zimbabwe yakabva yatanga kutengesa zvirimwa kunze kwenyika, kuitira kuti iwane mari yekunze, iyo inodiwa mukutenga zvinhu zvinodiwa munyika.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaMuchengeti kuti tinzwe mamiriro akaita zvinhu munyaya dzechikafu mudunhu ravo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG