Accessibility links

Breaking News

Masangano Akazvimirira Oga Anosangana naVaAnnan neVamwe Vavo

Vaimbove munyori mukuru weUnited Nations, VaKofi Annan, vanoti Zimbabwe inoda mari inoita US$550 million gore rinouya, kuitira kuti igadzirise mamiriro akaita zvinhu munyaya dzekurima.

VaAnnan vatiwo imwe US$140 million inodiwa gore rino, kuitira kuti izadzise pamari iri kudiwa gore rino, zvichitevera mari inoita US$250 million, iyo yakapihwa nyika nemasangano anobatsira gore rino, kuitira kuti ishandiswe mukurima. VaAnnan vataura mashoko aya mu Johannesburg ku South Africa pamusangano wavaita nevatori venhau. Zvichitevera kurambidzwa kupinda munyika kwaVa Annan nevamwe vavo, vamiriri vemasangano akazvimirira oga muZimbabwe vanoti vakakwanisawo kusangana nevanyarikani ava neMugovera.

Masangano emunyika akakwanisa kutaura nevanyarikani ava anosanganisa Progressive Teachers Union of Zimbabwe, ichimirirwa naVaRaymond Majongwe, Combined Harare Residents Association, Women Aids Support Network, neCrisis in Zimbabwe Coalition.

VaMcDonald Lewanika ndivo sachigaro veCrisis In Zimbabwe Coalition.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaLewanika kuti tinzwe zvakabuda mumusangano wavo nevanyarikani ava.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG