Accessibility links

Breaking News

VaMutambara Vopesana naVaMakumbe paRwendo rwaVaAnnan neVamwe Vavo

Chikwata chevanyarikani kana kuti “The Elders” neMuvhuro chakasangana nemutungamiri wechimwe chikwata cheM-D-C, VaArthur Mutambara, nechinangwa chekuda kunzwisisa nezvematambudziko akatarisana neZimbabwe.

Chikwata ichi, icho chine vaimbove munyori mukuru weUnited Nations, VaKofi Annan, vaimbowe mutungamiri weAmerica, VaJimmy Carter, pamwe naMai Graca Machel, vanowe mudzimai wevaimbowe mutungamiri weSouth Africa, VaNelson Mandela, chakasanganawo nemutungamiri wechimwe chikwata cheM-D-C, VaMorgan Tsvangirai, neMugovera.

VaMutambara vanoti vanyarikani ava havana zvikuru zvavangakwanise kuita, kana pasati paumbwa hurumende yemubatanidzwa. Vanyarikani ava vakarambidzwa nehurumende kupinda munyika neMugovera.

Mutungamiri webato reANC, VaJacob Zuma, vashorawo zvikuru zvakaitwa nehurumende yaVaMugabe zvekurambidza vanyarikani ava, vachiti izvi zvinopa Zimbabwe chimiro chakashata.

Jonga Kandemiiri weStudio 7 aita hurukuro naVaMutambara, avo vanoti vanyarikani ava vanofanirwa kubatsira mukuumbwa kwehurumende yemubatanidzwa.

Ukuwo nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor John Makumbe, vanotiwo panofanirwa kutanga patsvagwa rubatsiro vana veZimbabwe vasati vapera nenzara, pozoti poumbwa zvapo hurumende yemubatanidzwa iyi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG