Hurumende inoti huwandu hwevanhu
vafa neCholera, hwakwira kubva pazana nemakumi maviri nerimwe, kusvika
pamazana maviri, nemakumi masere nerimwe, kubva pakupera kwemwedzi wapfuura,
kusvika pakupera kwe svondo rapfuura.
Mumashoko avo kubepa nhau reHerald,
Director weCivil Protection Unit, VaMadzudzo Pawadyira, vanoti hurumende iri
kutora matanho ose ekudzivirira kupararira kwe Cholera.
Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehutanho dzakaita saSachigaro weZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, Dr Douglas Gwatidzo, dzinoti hadzitenderani nemashoko ehurumende.
Dr Gwatidzo vanoti
zvaitika chete apa, ndezvekuti aka ndekekutanga hurumende ichibvuma kuti vanhu
vakawanda vari kufa neCholera, asi hurumende haina, zvairi kukwanisa kuita
pamusoro pedambudziko reCholera iri.
Carole Gombakomba weStudio7 aita hurukuro na Executive Director veCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, avo vanoti zvinonetsa kuti huwandu chaihwo hwevanhu vari kufa kana kubatwa neCholera hwakamira sei, sezvo vamwe vanhu vari kufira kana kurwarira mudzimba, uyezve vamwe vari kufa vasingazivikani kuti vafa nechirwere chipi.