Accessibility links

Breaking News

Amai Mtetwa Vanopihwa Mubairo neCPJ


Gweta rine mukurumbira munyika, Amai Beatrice Mtetwa, vakapihwa mubairo neCommittee to Protect Journalists weBurton Benjamin Memorial Award. Mubayiro uyu uno cherechedza basa rakaitwa naMai Mtetwa mukurwira kodzero dzevatori venhau vaishungurudzwa nehurumende.

Vachitaura pamusangano wevatori venhau waitwa neChina muWashington DC, Amai Mtetwa vati mubairo wavawana uyu uchaita kuti vashinge zvakanyanya. Aka kava kechipiri Amai Mtetwa vachiwana mubairo weCPJ International Press Freedom, mushure mekunge wauwana zvakare mugore ra2005.

Vati kunyange hazvo pakanyoreranwa chibvumirano chekuumba hurumende yemubatanidzwa muZimbabwe, kutyorwa kwekodzero dzevanhu kuchiri kuenderera mberi munyika. Vatiwo kushungurudzwa kwevatori venhau pamwe nevanorwira kodzero dzevanhu munyika, kuri kuitwa kuchirongwa kubva muhofisi yemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Vachitaurawo pamusoro paVaHarrison Nkomo, gweta riri kushungurudzwa nehurumende mushure mekunge mumwe mutori wenhau wekuBritain wavaimirira atiza munyika, Amai Mtetwa vati zvinokatyamadza kuti hurumende iri kushungurudza gweta iri pamusoro pemunhu akaregwa nedare redzimhosva, uye asina kuiswa mumaoko egweta iri.

Mabiko ekupemberera kupiwa kwemibairo iyi achaitwa neChipiri chesvondo rinouya kuNew York. Vamwe vakawana mibairo ndiBila Hussein wekuIraq, Danish Karokhel naFarida Nekzad vekuAfghanistan, mupepeti wenhau wekuUganda, VaAndrew Mwenda, pamwe naHector Maseda Gutierrez wekuCuba.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG