Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yodzivisa VaAnnan naVaCarter Kupinda Munyika

Paita ropa rakaipa pakati pehurumende yeZimbabwe nevakuru vekanzuru yevanyarikani kana kuti Council of Elders, avo vari kuda kushanya munyika kuzoona mamiriro akaita zvinhu.

Hurumende inoti vakuru ava, avo vanosanganisira vaimbova munyori mukuru we United Nations, VaKofi Annan, Amai Graca Machel, pamwe nevaimbova mutungamiri weAmerica, VaJimmy Carter, vambomisa rwendo rwavo sezvo hurumende iri mubishi nenyaya yenhaurirano ne MDC.

Asi VaAnnan vanoti kunyange hurumende yati vambomira kushanya pari zvino, vari kuenderera mberi nerwendo rwavo, sezvo vari kuda kuona kushupika kuri kuita vanhu munyika, uye kuti vatsvage nzira dzekupedza matambudziko akatarisana neZimbabwe.

Asi mumiriri weZimbabwe kuUnited Nations, VaBoniface Chidyausiku, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti vatatu ava havangazvikoke, nokudaro, vanofanirwa kunzwa zviri kubva kuhurumende.

Ukuwo nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, VaJoy Mabhenge, vanotiwo zviri kuitwa nehurumende parwendo rwevatatu ava, zvinonyadzisa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG