Accessibility links

Breaking News

Zvinhu Zvoita Manyama Amire neRongo muNyaya dzeHutano

Sangano rePhysicians for Human Rights rinoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzehutano muZimbabwe, uye dambudziko iri rikasagadziriswa nechimbichimbi, hutano hwevanhu vemuZimbabwe huchakanganiswa zvikuru.

Sangano iri rinoti richatumidzira kuZimbabwe vana chiremba kuti vabatsire vana chiremba vemuZimbabwe kurapa vanhu vanoda rubatsiro. Pari zvino muzvipatara hamuna mishonga, uye vana mukoti navana chiremba, vari kuramwa mabasa vachida kuti mari dzavanotambira dziwedzerwe.

Sangano re Physicians for Human Rights raita musangano nevatori venhau pasi rose, richishandisa dzinhare, kana kuti press teleconference. Musangano uyo wapindwawo nasachigaro vesangano re Zimbabwe Association of Doctors for Human Rights, Doctor Douglas Gwatidzo, Muzvare Primrose Matambanadzo, mutungamiri weZimbabwe Hospital Doctors Association, VaAmos Siveregi, nevavadzidzi munyaya dzehutano.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naDr Gwatidzo avo vanoti hurumende ndiyo iri kutadzisa vanoshanda muzvipatara kuti vaite mabasa avo nemazvo nekusavapa zvinodiwa pakurapa varwere, izvo zviri kuita kuti ruzhinji rwevanhu rutadze kuwana rubatsiro.

Zvichakadaro, vana chiremba vakaratidzira pachipatara cheParirenyatwa neChipiri, vanoti vari kutyisidzirwa nemapurisa. Vana chiremba ava vanoti vatungamiri vebazi rinoona nezvehutano, avo vakange vachiramba kutaura navo, vari mushishi kuita misangano yechimbichimbi, zvichitevera kuratidzira kwanezuro.

Asi hapana musangano wati waitwa pakati pabazi iri, nevashandi vemuzvipatara.

Studio 7 yaedza kutaura negurukota rinoona nezvehutano, Dr David Parirenyatwa, asi vanga vasingadairi runhare rwavo.

Carole Gombakomba weStudio7 aita hurukuro nemutungamiri wesangano reHospital Doctors Asociation, Dr Amon Siveregi, pamusoro pemamiriro akaita zvinhu, zvichitevera danho ravakatora neChipiri.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG