Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anorova Vashandi vemuZvipatara Vanga Vachiratidzira


Vanhu vanodarika makumi mashanu vanonzi vakuvara musure mekunge mapurisa anomirira kudzivirirwa kwemhirizhonga, kana kuti anti riot police, apinda zvechisimba muchipatara che Parirenyatwa akarova vana mukoti navana chiremba vanga vachiratidzira.

Vana chiremba navana mukoti vanoti vari kuda kuti hurumende iwedzere mari dzavanotambira, uye kuti igadzirise zvose zviri kunetsa mubazi rehurumende.

Vashandi vemuzvipatara vanoti vava nenguva yakareba vachiudza hurumende nezve matambudziko avakatarisana nawo, asi pachina chiri kugadziriswa. Sekutaura kuri kuita mutori wedu wenhau, Slyvia Manika, vana mukoti navana chiremba vanoti vacharamba vachiratidzira, kuitira kuti hurumende igadzirise zvinhu.

Mukutsvaga zvinangwa zvavana chiremba navamukoti , Patience Rusere weStudio 7, aita hurukuro nemunyori mukuru weZimbabwe Hospital Doctors Association, VaSimba Ndoda, avo vanoti vacharamba vachiburitsa kuipa kwaita zvinhu mubazi rezvehutano, kudzamara zvinhu zvagadziriswa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG