Accessibility links

Breaking News

MDC neZanu-PF Dzotatsuranazve Panyaya yeDare reMakurukota


Paita ropa rakaipa zvikuru pakati peMDC neZanu-PF, zvekuti hurukuro pakati pemapato aya, idzo dzotandadza, dzinogona kuguma dzaenda kwamupfiganembwe.

Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, Doctor Sikhanyiso Ndlovu, vanoti dare remakurukota rinofanirwa kudomwa pasati pavandudzwa mutemo mutsva weConstitutional Ammendment Number 19, uyo uchapa kuti pakwanise kuumbwa zviri pamutemo hurumende yemubatanidzwa pakati peMDC neZanu-PF.

Asi mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti VaMugabe vakaenderera mberi nekuumba hurumende yemubatanidzwa vanenge vaigochera pahutsi. VaTsvangirai vakataura mashoko aya kuFrance uko vari kushanya vakati VaMugabe vakada kuita izvi vachavaomesera muparamende sezvo variwo vakabata matomu.

Nekowo MDC inoti iri kuda kuti mutemo uvepo pasati pagadzwa dare remakurukota idzva. Hofisi yemuchuchusi mukuru wehurumende, inonzi yakatopedza kunyora gwaro iri, ikaripa kumapato ose.

Asi MDC inotiwo yakanyorawo gwaro rayo rairi kuda kuti rikurukurwe nezvaro. Munyori munyaya dzemitemo muchikwata cheMDC chinotungamirwa naVaArthur Mutambara, VaDavid Coltart, vanotiwo ivo havasi kunyora rimwe gwaro, asi vachabatsira kuti magwaro eZanu-PF nereMDC ayananiswe.

VaNelson Chamisa ndivo mutauriri weMDC inotungamirwa naVaTsvangirai. VaChamisa vaudza mutori wenhau dzeStudio7 Blessing Zulu kuti zviri kutaurwa neZanu-PF panyaya yebumbiro remitemo ndezvemugotsi matsuro.

Chief whip veZanu-PF mudare reparamende, VaJoramu Gumbo, vatiwo MDC iri kuratidza kuti haisi kutora nemazvo nyaya yekugadzwa kwedare remakurukota.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG