Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Votsvagira Nyika Rubatsiro rweChikafu kuEuropean Union


Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vari kushanya kuFrance uko vari kusangana nevakuru vakuru vesangano reEuropean Union. Hofisi yaVaTsvangirai inoti VaTsvangirai vari kutsvaga rubatsiro rwechikafu nezvimwe zvingabatsira vana veZimbabwe.

VaTsvangirai vakasangana nevatungamiri vesangano reEuropean Union neSvondo, uye vari kutarisirwa kusangana nemutungamiri weFrance, VaNicholas Sarkozy neChipiri, avo vanova zvakare sachigaro weEuropean Union. France ndiyo yakabata chigaro cheEuropean Union pari zvino.

Nhengo yekomiti inoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF, VaChris Mutsvangwa,
vaudza bepanhau reHerald kuti vane tarisiro yekuti rwendo rwaVaTsvangirai kuFrance, nderwekutsvaga nzira dzekubatsira vanhu veZimbabwe.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaGeorge Sibotshiwe, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti rwendo rwaVaTsvangirai nderwekubatsira vana veZimbabwe, kwete kutarisa nyaya yezvirango zvinonzi nehurumende zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzekuEurope.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG