Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzozeya Kusawirirana kwaVaTsvangirai naVaMugabe


Chisungo chakaitwa neSADC chekuti munyika muumbwe hurumende yemubatanidzwa nechimbichimbi, zvisineyi nekupokana kuri kuri kuita MDC inotungamirwa naVaTsvangirai, chiri kukonzera kusagadzikana muhana dzeveruzhinji. Vanhu vakawanda vanga vakatarisira kuti matambudziko ari munyika ava kuzopera mushure mekunge VaMugabe naVaTsvangirai vawirirana pamaumbirwo ehurumende yemubatanidzwa.

MDC iri kuramba kupinda muhurumende yemubatanidzwa pasi pezvisungo zveSADC, sezvo iri kupokana nepfungwa yekuti paitwe madzoro pabazi rezvemukati menyika, uye kusawirirana naVaMugabe pamaumbirwo ehurumende yemubatanidzwa.

MDC inotiwo zvakare pane zvizhinji zvisina kukurukurwa neSADC zvinoda kugadziriswa pasati paumbwa hurumende iyi.

Mubvunzo wavapo ndewe kuti, vana veZimbabwe vomirira kusvika riini, ivo vezvematongerwo enyika vachikakatirana gumbeze dzaru?

Mukuzeya nyaya iyi, Jonga Kandemiiri weStudio 7 abata vanoongorora zvematongerwo enyika uye vachishanda nesangano reNCA muSouth Africa, VaTapera Kapuya, avo vanoti vanotsigira danho reMDC rekuramba kupinda muhurumende yaVaMugabe.

Asi Doctor James Muzondidya, vanova chipangamazano musangano reHuman Sciences Research Council muSouth Africa, vanotiwo vanopokana nepfungwa yekuti vezvematongerwo enyika varambe vachiita hurukuro dzisingaperi, vana veZimbabwe vachidya nhoko dzezvironda.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG