Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anotadza Kuunza Nhengo dzeMDC kuDare reDzimhosva

Dare guru redzimhosva rati mapurisa anofanirwa kuendesa kumatare edzimhosva nhengo dzose dzeM-D-C dzakapambwa usiku mudunhu reMashonaland West masvondo maviri apfuura, dzakazoiswa mumaoko emapurisa, dzichipomerwa mhosva yekuda kupidugura hurumende.

Dare guru redzimhosva rapa mutongo wekuti nhengo idzi dziendeswe kumatare kana kuti dzoburitswa muhusungwa. Asi mapurisa anonzi haana kutevera mutongo uyu, sezvo atadza kuendesa vanhu ava kumatare edzimhosva kuti anzwe nyaya dzavari kupomerwa, kana kuvaburitsa muhusungwa.

Vatsigiri veM-D-C vanosvika gumi nevaviri vakasungwa vachiita zvekupambwa kuBanket neChinhoyi mukati memasvondo maviri apfuura, vachipomerwa mhosva dzekudzidzira zvehugandanga nechinangwa chekuda kubvisa hurumende zvechisimba.

Gweta riri kumirira vanhu ava, VaAlec Muchadehama, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti mapurisa audza dare kuti haazivi kune vanhu ava sezvo vakavaisa mumaoko emumwe mukuru wemapurisa anzi anonzi VaMakedenge, avo vanzi vari pazororo.

Zvichakadaro, sangano reZimbabwe Peace Project, ZPP rinoti nyaya dzemhirizhonga ine chekuita nezvematongerwo enyika, dzakakwira mumwedzi waGunyana nezvikamu makumi matatu nezvipfumbamwe kubva muzana, kana kuti 39%, zvichienzaniswa nemwedzi waNyamavhuvhu.

Sangano iri rinoti rakaunganidza humbowo hunoratidza kuti nyaya dzinosvika chiuru nemazana matatu dzekushungurudzwa kwevanhu, dzakaitika mumatunhu akasiyanasiyana emunyika.

Mutungamiri weZPP, Muzvare Jestina Mukoko, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vanonzi vakanyanya kukonzera mhirizhonga iyi, vatsigiri veZanu-PF, kunyange hazvo veMDC vane kachidimu kemhirizhonga yavaikonzerawo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG