Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inobvuma Kuita Chikiribidi paMari yeGlobal Fund

Hurumende pamwe nebhanga guru re Reserve Bank of Zimbabwe, zvabvuma kuti mari yakabva ku Global Fund yaifanirwa kubatsira munyaya dzehutano, yakashandiswa mune zvimwe zvinhu zvisineyi nehutano hwevanhu vari kutambura.

Izvi zvashorwa zvikuru nevanhu vanorwira kodzero dzevanorarama ne HIV/AIDS.

Dare repamusoro reGlobal Fund, riri kusangana neChishanu kuti ritambire zvikumbiro zvemari zvakaitwa nenyika dzakasiyana siyana.

Zimbabwe yakakumbira mari inoita mamiriyoni mazana mashanu emadhora eku America, yekushandisa mukurwisa HIV/AIDS, Malaria, TB uye kuvandudza zvimwe zvinhu mubazi rezvehutano.

Sekutaura kuri kuita mutori wedu wenhau, Slyvia Manika, Global Fund inoti haisi kuzopa Zimbabwe mari, kana mari yakatorwa na RBZ inoita US$7,3m isina kudzoserwa panopera China.

Ukuwo nyanzvi munyaya dzehupfumi, Doctor Godfrey Kanyenze, muhurukuro yavaita naCarole Gombakomba weStudio7, vashora zvikuru danho rakatorwa nehurumende yeZimbabwe, vachiti izvi zvinogona kunyimisa hurumende mari pachadaidzirwa kuti dzivanaani vari kuwana mari neChishanu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG