South Africa, iyo inova sachigaro weSADC, inoti SADC inofanirwa kutorera Zanu PF ne MDC, matanho akasimba zvikuru, kuitira kuti mapato aya aite zvinhu zvinobudirira munhaurirano dzekuumba hurumende yemubatanidzwa.
Mutauriri we dare remakurukota muSouth Africa, VaThemba Maseko, vanoti SADC inofanirwa kugadzirisa gakava riri muZimbabwe, kuitira
kuti zviri kunetsa muZimbabwe, zvisabatewo dzimwe nyika dziri kuchamhembe kweAfrica. Ukuwo mutungamiri weANC, VaJacob Zuma, vanoti nyaya yeZimbabwe inofanirwa kupera neSvondo.
SADC iri kusangana nesvondo muSouth Africa kuti igadzirise gakava riri muZimbabwe.
Mashoko ari kubva ku South Africa, anouya apo mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vari kushanyira nyika dzemu Africa, vachidzisuma zviri
kuitika munhaurirano dzeMDC neZanu PF.
Zanu PF inonziwo yatumira Va Emmerson Mnangagwa kunyika dzakati kuti dzemu Africa. Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reZanu PF panyay iyi. VaGeorge Sibotshiwe ndivo mutauriri waVa Tsvangirai.
Ntungamili Nkomo weStudio 7 aita hurukuro naVaSibotshiwe kuti tinzwe zviri kuitika.
Ukuwo nyanzvi munyaya dzezve matongero enyika, uye vari mudzidzisi
pa University of Zimbabwe, Professor John Makumbe, vanopawo maonero avo pane zviri kuitika panyaya yenhaurirano dzichaitirwa kuSouth Africa.