Accessibility links

Breaking News

Magweta eMDC Oendesa  Mapurisa kuMatare


Apo SADC iri kuedza kugadzirisa gakava riri pakati peZanu-PF neMDC, magweta ari kumirira nhengo sere dzebato reMDC dzinonzi dzakapambwa nevanofungidzirwa kuti vasori kuMashonaland West, anoti akwidza nyaya yekutsakatika kwevanhu ava kudare guru redzimhosva, mushure mekunge vatadza kuwana vanhu ava mumakamba emapurisa muHarare.

Magweta aya anoti nyaya iyi ichanzwikwa mudare reHigh Court Chishanu mangwanani. Rimwe remagweta aya, VaAlec Muchadehama, vanoti vari kunyimwa mukana wekuona vanhu ava mumakamba emapurisa emuHarare. VaMuchadehama vanoti havasati vaziva mhosva dziri kupomerwa vanhu ava.

Mamwe mashoko atiri kutambira anoti vanhu ava vari kupomerwa mhosva dzekuda kupidigura hurumende nechisimba.

Vari muhusungwa vanosanganisira mwana mudiki ane makore maviri, uye vanonzi vakapambwa usiku pakati peSvondo rapera neChipiri chesvondo rino.

VaMuchadehama vaudza Jonga Kandemiiri weStudio kuti vanofungidzira kuti vanhu ava vakakuvadzwa izvo zviri kuita kuti mapurisa avige vanhu ava.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG