Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzozeya Zvinoreva Kusarudzwa kwaVaObama


MuAmerica makaitika anganzi nevamwe mashura kana kuti chisinonekwe kuona humhandara hwamai nemusi weChipiri.

Izvi zvinotevera kusarudzwa kwaVaBarack Obama kuva munhu mutema wekutanga kuva mutungamiri weAmerica.

Vakawanda vaiti izvi hazvifi zvakaitika kuti America isarudze munhu mutema semutungamiri wenyika iyi. Asi VaObama, avo vana baba vekuKenya, naamai vechichena vakaberekerwa muAmerica, vakakunda VaJohn McCain veRepublican Party zvine mutsindo.

Kusarudzwa kwaVaObama kwakafadza vanhu vakawanda pasi rose, zvikuru vemuAfrica. Asi kana guruva rekupemberera rapera, vakawanda vanoda kuziva kuti kusarudzwa kwaVaObama kuchaunza shanduko here pasi rose, zvikuru muAfrica.

Mukuzeya nyaya iyi, mutori wenhau weStudio7, Blessing Zulu, akabata VaCharles Mangongera, avo vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, pamwe naVaPedzisayi Ruhanya, avo vanoongororawo nyaya dzezvematongerwo enyika. Vaviri ava vanoti kusarudzwa kwaVaObama hakuna zvizhinji zvakuchachinja pakudyidzana kweZimbabwe neAmerica.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG