Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vokorokotedza VaObama


Vatungamiri venyika dzepasi rose vari kukorokotedza VaBarack Obama kusarudzwa kwavakaitwa semutungamiri weAmerica neChipiri.

Nyika inogara yakapikisana neAmerica, Russia, yati iri kutarisira kuva nehurukuro dzine chimuko naVaObama.

Mutungamiri weRussia, VaDmitry Medvedev, vati vari kutarisira kutaura naVaObama, uye vatora mukana uyu kushoropodza America, vachiti kuwondomoka kuri kuita zvinhu munyaya dzehupfumi pasi rose, kuri kukonzerwa neAmerica.

Mutungamiri weEuropean Commission, VaManuel Barroso, vakurudzira VaObama kuti vabatane nevamwe vari muEurope mukugadzirisa zviri kunetsa munyaya dzehupfumi pasi rose.

Mutungamiri weBritain, VaGordon Brown, vati VaObama ishamwari yechokwadi yenyika yavo. Vanoona nezve kunze muIraq, VaHoshyar Zebari, vanoti havatarisiri kusarudzwa kwaVaObama kuti kuchapa kuti America ikurumidze kubvisa mauto ayo muIraq.

Ukuwo mutungamiri wekutanga wechitema weSouth Africa, VaNelson Mandela, vakatumira mashoko ekukorokotedza VaObama semutungamiri wechitema wekutanga kusarudzwa munyika iyi.

VaMandela vakakurudzira VaObama kuti vaite napose pavanogona napo kurwisa hurombo nezvirwere zviri munyika dzepasi rose.

VaObama, avo vakakunda VaJohn McCain veRepublican Party, vatotanga kuisa pasi hurongwa hwemashandiro avachange vachiita vari muWhite House. Vachitaura vari kumusha kwavo kuChicago neChipiri manheru, VaObama vakati kusarudzwa kwavo kunoburitsa pachena kuti America inyika inogona kuitwa zvinhu zvakawanda zvinobudirira.

Vachitaurawo vari muWashington, mutungamiri weAmerica, VaGeorge Bush, vakorokotedza VaObama nekusarudzwa kwavakaitwa. VaBush vanoti kusarudzwa kwaVaObama kunoratidza hutongi hwejechetere muAmerica.

Ukuwo mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vakorokotedzawo VaObama nekusarudzwa kwavakaitwa. VaTsvangirai vanoti vari kutarisira kushanda naVaObama. Asi vatiwo kutambira kukundwa kwaVaMcCain mucherechedzo wakanaka kune vatungamiri vemuAfrica, avo vasingadi kusiya chigaro kana vakundwa.

MDC inoti zvekurambira pachigaro ndizvo zviri kukanganisa zvinhu muZimbabwe. Ukuwo hurumende yaVaMugabe iri kushorawo zvikuru mutungamiri weBotswana, VaKhama Ian Seretse Khama nekushora kwavo vatungamiri vemuAfrica vasingadi kubva pazvigaro kana vakundwa.

Botswana inoti muZimbabwe ngamuitwe imwe sarudzo yemutungamiri wenyika, kana pasina kuwirirana pakati paVaMugabe naVaTsvangirai. Asi mutungamiri weANC, VaJacob Zuma, vatiwo SADC haifanire kuramba ichibata Zimbabwe sekacheche, vachiti vatungamiri veZimbabwe, vanofanira kuomeserwa sezvo South Africa yave kuneta nekusanzwisisa kweZimbabwe.

VaNelson Chamisa ndivo mutauriri weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai.

VaChamisa vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti vane chivimbo chekushanda naVaObama.

VaChris Mutsvangwa, avo vaimbova mumiriri weZimbabwe kuChina, uye vari mukomiti inoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF vanotiwo vanofunga kuti vanotarisira kuti vachadyidzana naVaObama kudarika zvavaiita naVaGeorge Bush.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG