Accessibility links

Breaking News

NANGO Yoronga Kusangana neMutungamiri weSouth Africa Mutsva

Sangano remubatanidzwa wemasangano akazvimirira oga, reNANGO, rinoti rine hurongwa hwekusangana nemutungamiri weSouth Africa, uye vari sachigaro veSADC, VaKgalema Motlanthe, nechikumbiro chekuti gakava riri pakati paVaMugabe naVaTsvangirai, rigadziriswe nekukasika.

NANGO inoti yakatotumira chikumbiro chayo chekuda kusangana naVaMotlanthe ichi kumuzinda weSouth Africa uri muZimbabwe, uye vangomirira kupiwa mukana uyu. Sangano iri rinoti rinoda kusangana naVaMotlanthe musangano weSADC wekuzeya gakava iri usati waitwa neSvondo.

Hurongwa uhu hunotevera kusangana kwakaitwa neNANGO naVaTsvangirai pamwe naVaPatrick Chinamasa veZanu-PF svondo rapera.

Mutauriri NANGO, VaFambai Ngirande, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vachawana mukana wekuita izvi, sezvo mhuri yeZimbabwe yanzwa nekunonga svosve nemuromo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG