Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yokonzeresa Mutauro muSADC


Musangano weSADC wekuzeya gakava riri muZimbabwe unonzi wava kuitirwa ku South Africa neSvondo.

Izvi zvaburitswa pachena negurukota rinoona nezve kunzwe kweSouth Africa, Amai Nkosazana Dlamini Zuma. Musangano uyu uri kuitirwa muSouth Africa, sezvo nyika iyi iri iyo sachigaro weSADC.

Mashoko atiri kutambira anoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muSADC, sezvo dzimwe nyika dziri kupokana nezviri kudiwa nedzimwe nyika. Nyika dzakaita seAngola, Zambia, South Africa neMauritius, dziri kuda kuti VaMugabe vaomeserwe. Asi vari kutsigira VaMugabe inyika dzakaita seMozambique, Swaziland, Lesotho, Malawi neNamibia.

Mutungamiri weBotswana, VaKhama Ian Seretse Khama, vanoti kana zvichibvira, muZimbabwe munofanirwa kuitwa sarudzo yemutungamiri wenyika itsva. VaKhama vati handi zvinhu zvakanaka kuti vanenge vari muhurumende vabiridzire sarudzo, vachida kuzopinda muhurumende yemubatanidzwa, sezvo zvisina kunaka muhurumende yejechetere.

Vanoona nezvekudyidzana nenyika dzemuAfrica muBritain, VaMalloch Brown, vatiwo vari kutaura nehurumende dzemuAfrica nezveZimbabwe, vachiti havasi kufara nezviri kuitika.

Vatiwo vakuru vehurumende dzemuAfrica vari kugunu'na nemabasa aVaMugabe, asi vanonyara kuvaudza.

VeMDC neZanu-PF vanonzi vari mushishi kutaura nevatungamiri venyika dzemuSADC musangano uyu usati waitwa.

VaNelson Chamisa ndivo mutauriri weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai. VaChamisa vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti mashoko aVaKhama ekuti paitwe imwe sarudzo kana zvanetsa, akanaka asi vane chivimbo chekuti SADC ichagadzirisa dambudziko iri.

Ukuwo vanongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, VaBrian Kagoro, vanotiwo mashoko aVaKhama akanaka sezvo vamwe vakuru vemuAfrica vave kuita tsika yekubiridzira sarudzo vachiponda vanhu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG