Accessibility links

Breaking News

Makambani Anoti Hurumende Inofanirwa Kugadzirisa Zvinhu


Vatungamiri vemabhizinesi musangano re Confederation of Zimbabwe Industries, vanoti chinhu chikuru chinoida kugadziriswa munyika, igakava rezvematongerwo enyika, izvo zviri kupa kuti zvinhu zvitadze kumira zvakanaka munyaya dzehupfumi.

Mashoko aya abuda mukupera kwemusangano we CZI we congress neChitatu.

CZI inoti ine hurongwa hwekusangana nevakuru vezve matongerwo enyika, mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, mutungamiri wechimwe chikwata cheMDC, VaArthur Mutambara, pamwe nemutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, kuitira kuti vazeye mamiriro akaita zvinhu munyika, ayo ari kukanganisa zvikuru kubudirira kwenyika.

VaCallisto Jokonya vaimbove mutungamiri weCZI, uye vange vari pamusangano uyu.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaJokonya kuti tinzwe zvabuda mumusangano wavo wemazuva maviri.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG